Nziyo 78:67-72
Nziyo 78:67-72 SCLB
Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri.

