Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi. Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake? Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose. Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu. Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza. Takaita zvakaipa takaita zvisakarurama. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku. Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru. Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga. Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu. Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara. Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza. Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake. Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga. Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza. Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI. Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu. Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa. Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa. Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa. Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti, mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza. Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira. Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI. Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika. Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa. Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo. Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa. Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi. Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake. Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita. Vakanamata zvifananidzo zvavo zvikava musungo kwavari vakaita vana vavo vakomana navasikana chibayiro kumweya yakaipa. Vakadeura ropa risina mhaka ropa ravanakomana vavo navanasikana vavo vavakapira kuzvifananidzo zvomuKenani nyika ikan'oreswa neropa. Naizvozvo vakan'oreswa nezviito zvavo; vakaita unzenza nokuita kwavo. Nezvowo TENZI akavirukira vanhu vake nehasha akavenga nhaka yake. Akavaisa mumaoko evechirudzi zvokuti vaivavenga vakavatonga. Vavengi vavo vakavadzvanyirira, vakapinda uranda pasi pavo. Akavanunura kazhinji asi ivo zvavaironga ndezvokupanduka bedzi, vakadzikira kwazvo pamusana pouipi hwavo. Asi aiona nhamo yavo paakanzwa kuchema kwavo. Akarangarira chitenderano chake navo achitoitira zvake ivo, akadzora mwoyo pamusana pokuwanda kwemwoyochena wake. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakanga vavatapa. Tinunureiwo TENZI Mwari wedu mutikokorodze kumarudzi kuitira kuti titende zita renyu rinoera tifare nomukurumbira wenyu. TENZI Mwari waIsiraeri ngaarumbidzwe narini narini vanhu vose ngavati, “Ameni.” Areruya.
Verenga chikamu Nziyo 106
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 106:1-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo