Hareruya.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Ndianiko angareva zvinhu zvine simba
zvakaitwa naJehovha,
Kana kududzira kurumbidza kwake kwose?
Vakaropafadzwa vanochengeta kururama,
Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.
Ndirangarirei Jehovha, nounyoro
hwamunahwo kuvanhu venyu;
Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu,
Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu,
Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.
Takatadza pamwechete namadzibaba edu,
Takaita pamwechete namadzibaba edu,
Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.
Madzibaba edu haana kunzwisisa
zvishamiso zvenyu paIjipiti;
Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji;
Asi vakakumukirai pagungwa, ipo
paGungwa Dzvuku.
Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda
kwezita rake,
Kuti azivise simba rake guru.
Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa,
Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.
Akavaponesa paruoko rwowaivavenga.
Akavadzikinura paruoko rwomuvengi.
Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo;
Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.
Ipapo vakatenda mashoko ake;
Vakaimba vachimurumbidza.
Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake;
Havana kurindira zano rake.
Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje,
Vakaidza Mwari mugwenga.
Akavapa chavakakumbira;
Asi akatuma kuonda mumweya yavo.
Vakagodora Mosesi pamisasa,
NaAroni, mutsvene waJehovha.
Pasi pakashama pakamedza Dhatani,
Pakafukidza boka raAbhirami.
Moto ukapfuta pakati peboka ravo;
Murazvo ukapisa vakaipa.
Vakaita mhuru paHorebhi,
Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.
Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo
Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.
Vakakanganwa Mwari muponesi wavo,
Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti;
Mabasa anoshamisa munyika yaHamu,
Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
Saka akati, “Ndinoda kuvaparadza;
Dai Mosesi musanangurwa wake
asina kumira pamberi pake ipo pakuputsika,
Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.”
Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza,
Havana kutenda shoko rake;
Asi vakanyunyuta mumatende avo,
Vakasateerera izwi raJehovha.
Saka wakavasimudzira ruoko rwake.
Kuti avaparadze murenje;
Uye kuti aparadze vana vavo
pakati pavahedheni.
Avaparadzire panyika dzose.
Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori,
Vakadya zvakabayirwa vakafa.
Naizvozvo vakamutsamwisa
nezvavakaita;
Denda ndokupinda pakati pavo.
Ipapo Pinehasi akasimuka,
akaita zvakarurama;
Denda ndokuguma.
Izvozvo zvikanzi kwaari kururama,
Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha,
Naizvozvo Mosesi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
Nokuti vakamukira mweya wake,
Iye akataura nehasha nemiromo yake.
Havana kuparadza ndudzi dzavanhu,
Sezvavakanga varairwa naJehovha;
Asi vakavengana navahedheni,
Vakadzidza mabasa avo;
Vakashumira zvifananidzo zvavo;
Izvo zvikava musungo kwavari.
Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa
vanakomana vavo navanasikana vavo,
Vakateura ropa risina mhosva,
iro ravanakomana vavo navanasikana vavo,
Vakavabayira zvifananidzo zveKanani;
Nyika ikasvibiswa neropa.
Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo,
Vakapata pane zvavakaita.
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake,
Akasema nhaka yake.
Akavaisa muruoko rwavahedheni;
Vakavavenga ndivo vaivabata.
Vavengi vavo vakavamanikidzawo,
Vakaiswa pasi poruoko rwavo.
Akavarwira kazhinji,
Asi vakamumukira pakurangana kwavo,
Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.
Kunyange zvakadaro akatarira
kutambudzika kwavo,
Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;
Akarangarira sungano yake nokuda kwavo,
Akazvidemba nokuda kwokuwanda
kwengoni dzake.
Akavanzwisawo tsitsi
Navose vakanga vavatapa.
Tiponesei, Jehovha Mwari wedu,
Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni,
Kuti tivonge zita renyu dzvene,
Tifarisise pakukurumbidzai.
Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe,
Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.
Vanhu vose ngavati, “Ameni.”
Hareruya.