Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato. Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.”
Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji. Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?”
Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa.
Nguva dzose, pamazuva makuru aya, Pirato aivasunungurira musungwa mumwechete wavainge vakumbira. Mukati mavapanduki vaiva mujeri, vakanga vauraya munhu muchimurenga, maiva nomumwe murume ainzi Bharabhasi.
Kuzoti mhomho yavanhu yakwira kwaPirato, yakatanga kumukumbira kuti avaitire zvaaisimbovaitira. Zvino Pirato akavabvunza achiti, “Ko munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” Nokuti akanga azviona kuti vapristi vakuru vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje.
Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi. Pirato akapindurazve achiti, “Ko ndoitei nowamunoti mambo wavaJudha?”
Vakadaidzirazve vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
Pirato ndokuti kwavari, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yei?” Vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
Zvino Pirato zvaaida kufadza mhomho yavanhu akavasunungurira Bharabhasi. Asi mushure mokurova Jesu akamuturira kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja. Vakazomupfekedza hanzu yoruvara rwohute ndokuruka chiremba cheminzwa vakachidzika paari. Vakazotanga kumukwazisa vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vaimurova musoro norutsanga, vachimupfira mate nokumupfugamira vachimukudza. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa hanzu yoruvara rwohute iya vomupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Vakamanikidza mumwe murume aipfuura naipapo achibva kumaruwa, ainzi Simoni wokuSairini, baba vaArekizanda naRufusi, kuti atakure muchinjikwa wake. Vakasvika naJesu kunzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti nzvimbo yeDehenya, vakamupa waini yakasanganiswa nemura asi akaramba kuinwa. Vakamurovera pamuchinjikwa vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange kuti vaone kuti mumwe nomumwe wavo achatorei. Yakanga iri awa yechipfumbamwe yamangwanani pavakamurovera pamuchinjikwa. Chikwangwani chechiga chemhosva yaakapomerwa chaiti, “MAMBO WAVAJUDHA.”