Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:10-16
21 Days
Start your new year with a focus on the spiritual discipline of fasting. This plan includes several passages about fasting and others that encourage reflection and closeness to God. For 21 days, you'll get a daily Bible reading, a brief devotional, reflection questions, and a prayer focus. For more content, check out www.finds.life.church.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo