Mateu 19:3-9
Mateu 19:3-9 SCLB
Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?” Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.”


