Mateo 19:3-9
Mateo 19:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.” Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?” Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.”
Mateo 19:3-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?” Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
Mateo 19:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?” Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.”
Mateo 19:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here? Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi? Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. Ʋakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha? Akati kwaʋari: Nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha ʋakadzi ʋenyu, asi kubva pakutaŋga ɀakaŋga ɀisina‐kuɗaro. Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge.
Mateo 19:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)