Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake. Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni. Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi, akamubereka naRahabhu Bhoazi akabereka Obedhi akamuberekawo naRute. Obedhi akazoberekawo Jese Jese akabereka mambo Dhavhidhi Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUria.
Verenga chikamu Mateu 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 1:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo