Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 1:1-9

Joshuwa 1:1-9 SCLB

Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, “Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu. Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.”

Verenga chikamu Joshuwa 1