Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 1:1-9

Joshua 1:1-9 SNA2002

Zvino Mosesi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati, “Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri. Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu. Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMosesi; handingakuregi kana kukusiya. Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo. Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda, Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera. Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”

Verenga chikamu Joshua 1