Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu
mutarise muongorore.
Tsvakurudzai mumisika yaro muone,
kana mukawana mumwechete zvake
anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi,
ndiriregerere guta irori.
Kunyange zvazvo vachiti,
“NaTenzi chaiye mupenyu,”
izvozvo vanenge vachipika zvenhema.
Nhai Tenzi, handiti meso enyu
anotsvaga chokwadi here?
Kuvarova makavarova zvenyu asi hazvina kuvarwadza.
Makavakuya, imi, asi vakaramba kudzorwa.
Vakatoomesa musoro kutopinda dombo,
vakaramba kutendeuka.
Ini ndokuti,
“Ava vanhu varombo zvavo chete
havanzwisisi
nokuti nzira yaTenzi havaizivi, iwo mutemo waMwari wavo.
Ndichaenda kuvakuru vakuru vacho
ndigotaura navo nokuti vanoziva nzira yaTenzi,
iwo mutemo waMwari wavo.
Asi vose zvavo vakaita zvimwechetezvo
vakatyorawo joko racho vakadambura zvitorobho.
“Naizvozvo shumba
ichabva mudondo ivauraye,
mhumi yokugwenga ichavaparadza;
mbada iri kuhwandira mumaguta avo.
Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa.
Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda;
umhandupandu hwavo hwanyanya.
“Ndingagokuregererai seiko?
Vana venyu vakandifuratira
vakatopika zvavo navasiri vamwari.
“Pandaivapa chokudya vachiguta
ivo ndopavakaita upombwe
vachiunganidzana kudzimba dzepfambi.
Vakanga vava mikono yamabhiza
yakakodzwa yava kuda makadzi,
rimwe nerimwe rohwihwidzira
mukadzi werimwe raro.
Ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi?
Ndozviri kutaura Tenzi.
Ndingarege here kutsividza
rudzi rwakaita sairworu?
“Pindai nomumitsara
yemigirepisi yake muchiparadza,
asi musabva maparadza zvachose.
Mukwazhurei mapazi ake
nokuti haasi mapazi aTenzi.
Ndinodaro nokuti
vemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha,
vakanga vari vanhu vasina
kunyatsotendeseka kwandiri.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Vanoreva nhema nezvaTenzi
vachiti, “Hapana chaanoita uyu.
Hapana nhamo ichatiwira.
Hondo yemapakatwa, hatisi kuzomboiona isu,
kana zveshangwa yenzara.”
Vaporofita vangova mhepo zvayo
mavari hamuna shoko racho.
Saka izvozvo ndozvichaitwa kwavari!
Naizvozvo zvanzi naTenzi
Mwari wehondo nehondo,
“Chinzwa, pamusana pomuromo
wavanotaura iwoyo,
ndichaita kuti mazwi angu anobva mumuromo mako
ave moto, vanhu ivava vanenge vari ivo huni dzacho;
moto iwoyo uchavaroromesa.”
Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri
ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu,
vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare
rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo,
rudzi runo mutauro wamusingazivi
vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo.
Mukutu wavo unenge guva rakashama,
vose zvavo magamba okurwa chaiwo.
Vachadya goho renyu nechokudya chenyu
Vachaparadza vanakomana venyu navanasikana venyu.
Vachadya matanga emombe dzenyu
neezvimwe zvipfuwo zvenyu.
Vachadya magirepisi enyu uye maonde enyu.
Maguta enyu etsvingo amunovimba nawo
vachaaparadza nehondo yebakatwa.
Asi zvanzi naTenzi, “Kunyange mumazuva iwayo handisi kuzobva ndakutsakatisai. Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ”