Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 5:1-19

Jeremiya 5:1-19 SCLB

Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori. Kunyange zvazvo vachiti, “NaTenzi chaiye mupenyu,” izvozvo vanenge vachipika zvenhema. Nhai Tenzi, handiti meso enyu anotsvaga chokwadi here? Kuvarova makavarova zvenyu asi hazvina kuvarwadza. Makavakuya, imi, asi vakaramba kudzorwa. Vakatoomesa musoro kutopinda dombo, vakaramba kutendeuka. Ini ndokuti, “Ava vanhu varombo zvavo chete havanzwisisi nokuti nzira yaTenzi havaizivi, iwo mutemo waMwari wavo. Ndichaenda kuvakuru vakuru vacho ndigotaura navo nokuti vanoziva nzira yaTenzi, iwo mutemo waMwari wavo. Asi vose zvavo vakaita zvimwechetezvo vakatyorawo joko racho vakadambura zvitorobho. “Naizvozvo shumba ichabva mudondo ivauraye, mhumi yokugwenga ichavaparadza; mbada iri kuhwandira mumaguta avo. Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa. Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda; umhandupandu hwavo hwanyanya. “Ndingagokuregererai seiko? Vana venyu vakandifuratira vakatopika zvavo navasiri vamwari. “Pandaivapa chokudya vachiguta ivo ndopavakaita upombwe vachiunganidzana kudzimba dzepfambi. Vakanga vava mikono yamabhiza yakakodzwa yava kuda makadzi, rimwe nerimwe rohwihwidzira mukadzi werimwe raro. Ndingarege here kuvarangira zvinhu izvozvi? Ndozviri kutaura Tenzi. Ndingarege here kutsividza rudzi rwakaita sairworu? “Pindai nomumitsara yemigirepisi yake muchiparadza, asi musabva maparadza zvachose. Mukwazhurei mapazi ake nokuti haasi mapazi aTenzi. Ndinodaro nokuti vemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha, vakanga vari vanhu vasina kunyatsotendeseka kwandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Vanoreva nhema nezvaTenzi vachiti, “Hapana chaanoita uyu. Hapana nhamo ichatiwira. Hondo yemapakatwa, hatisi kuzomboiona isu, kana zveshangwa yenzara.” Vaporofita vangova mhepo zvayo mavari hamuna shoko racho. Saka izvozvo ndozvichaitwa kwavari! Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari wehondo nehondo, “Chinzwa, pamusana pomuromo wavanotaura iwoyo, ndichaita kuti mazwi angu anobva mumuromo mako ave moto, vanhu ivava vanenge vari ivo huni dzacho; moto iwoyo uchavaroromesa.” Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu, vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi. Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo, rudzi runo mutauro wamusingazivi vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo. Mukutu wavo unenge guva rakashama, vose zvavo magamba okurwa chaiwo. Vachadya goho renyu nechokudya chenyu Vachaparadza vanakomana venyu navanasikana venyu. Vachadya matanga emombe dzenyu neezvimwe zvipfuwo zvenyu. Vachadya magirepisi enyu uye maonde enyu. Maguta enyu etsvingo amunovimba nawo vachaaparadza nehondo yebakatwa. Asi zvanzi naTenzi, “Kunyange mumazuva iwayo handisi kuzobva ndakutsakatisai. Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ”

Verenga chikamu Jeremiya 5