Inga wani ndimi Chidzachapo nhai TENZI, Mwari wangu, Anoera wangu. Isu hatisi kuzofa Inga imi TENZI makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso imi Dombo, ndimi makaita kuti vasimbarare kuti vave vokuranga. Maziso enyu akaruramisisisa zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa. Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka. Munodarirei kungotarisa zvenyu vanhu vasina kutendeka kana iko kunyarara kwenyu muipi achimedza akarurama kupinda iye?
Verenga chikamu Habhakuku 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Habhakuku 1:12-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo