Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 45:3-7

Mavambo 45:3-7 SCLB

Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye. Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti. Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu. Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa. Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa.

Verenga chikamu Mavambo 45