Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 45:3-7

Genesi 45:3-7 SNA2002

Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.

Verenga chikamu Genesi 45