Vagaratia 1:6-10
Vagaratia 1:6-10 SCLB
Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa. Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu.

