Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 37

37
Bani ramapfupa akaoma
1Ruoko rwaTenzi rwakava pandiri. Akandiburitsa nesimba raMweya waTenzi akandondiisa mubani, rakanga rizere namapfupa. 2Akandifambisa mukati mawo kutenderera, wonei akanga ari hungwandagwanda kuwanda mubani imomo uye akanga akati papata kwazvo kuoma. 3“Akanditi nhai mwanakomana womunhu mapfupa aya angava mapenyu here?” Ini ndakati, “Imi Tenzi Mwari ndimi munoziva.” 4Akanditizve porofita kumapfupa iwaya uti kwaari, “Imi mapfupa akaoma inzwai shoko raTenzi. 5Zvanzi naTenzi Mwari kumapfupa aya, chinzwai, ndichapinza mweya mamuri mugorarama. 6Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.”
7Saizvozvo ndakaporofita sokuudzwa kwandakanga ndaitwa. Pandaiporofita kudaro pakaita ruzha, pakave nokukwacharika. Mapfupa achienda kundobatana pamwechete, pfupa richienda pane rimwe pfupa raro. 8Ndakati tarisei onei ave namarunda uye ava nenyama, aputirwa neganda. Asi akanga asina mweya. 9Akazonditi porofita kumweya, mwanakomana womunhu, porofita uti kumweya, zvanzi naTenzi Mwari, “Iwe mweya uya uchibva kumativi mana ufemere pane vakauraiwa ava kuti vave vapenyu.” 10Saizvozvo ndakaporofita, sokuudzwa kwandanga ndaitwa, mweya ukapinda mavari vakava vapenyu, vakamira namakumbo avo ikava hondo huru huru yavanhu.
11Zvino akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mapfupa iwaya ndiyo imba yose yaIsiraeri; onaka kuti vanoti mapfupa edu aoma chitarisiro chedu chapera uye taparara isu. 12Naizvozvo porofita uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari chinzwai, imi vanhu vangu, ndavakuzozarura makuva enyu ndikumutsei mumakuva enyu, ndikuunzei kumusha kwenyu kunyika yeIsiraeri. 13Ndipo pamuchaziva, imi vanhu vangu, kuti ndini Tenzi pandichazarura makuva enyu ndichikumutsai mumakuva enyu. 14Ndichaisa mweya wangu mamuri muchiva vapenyu. Ndichakuisai munyika menyu, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi ndataura uye ndini ndazviita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
VokwaJudha nevokwaIsiraeri vachava noumambo umwechete
15Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 16“Iwe mwanakomana womunhu tora tsvimbo unyore pairi kuti:
“VokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri
vavanofambidzana navo.
“Wozotorawo imwe tsvimbo unyorewo pachiri kuti:
“VokwaJosefi, (tsvimbo yekwaEfuremu)
navose vemba yokwaIsiraeri
vavanofambidzana navo.
17“Unodzibatanidza pamwechete kuita tsvimbo imwechete kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwako. 18Vanhu vako kana vazokuti hamungatitaurirewo zvamunoreva nezvizvi, 19uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndava kuda kutora tsvimbo yokwaJosefi iri muruoko rwevokwaEfuremu mumadzinza okwaIsiraeri vanofambidzana naye. Ndichaibatanidza netsvimbo yevokwaJudha kudziita tsvimbo imwechete kuitira kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwangu. 20Tsvimbo dzauchanyora padziri padzinenge dziri muruoko rwako ivo vakatarisa nameso avo ipapo iti kwavari, 21Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai ndichatora vanhu veIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda ndivakokorodze kumativi ose ndichivauyisa kunyika kwavo chaiko. 22Ndichavaita kuti vave rudzi rumwechete munyika iyoyo mumakomo eIsiraeri uye vose zvavo vachatongwa namambo mumwechete. Havachazovezve marudzi maviri uyewo kana kuzombove noumambo huviri hwakaparadzana. 23Havazombozvin'oresazve nezvifananidzo zvavo zvokunamata nezvinhu zvavo zvinosemesa kana nekai zvako kezvikanganiso zvavo. Asi kutoti ini ndichavanunura mune zvokudzokera shure mavakadai kupara chitadzo. Ndichavachenurawo ivo vagova vanhu vangu. Ini ndichava Mwari wavo.
24“Muranda wangu Dhavhidhi achange ari mambo wokuvatonga uye vose vachava nomufudzi mumwechete. Vachatevedza mirao yangu vachiteerera mitemo yangu. 25Vachagara havo munyika iyoyo yandakapa kumuranda wangu Jakobho ikagarwawo namadzibaba enyu. Ivo navana vavo navana vavana vavo, vachagara imomo narini wose uyu muranda wangu Dhavhidhi ndiye achava ishe wavo narini wose.
26“Ndichaitirana navo chitenderano chorugare chichava chitenderano chokugara nokugara. Ndichavakomborera ndigoita kuti vawande uye ndichaisa Nzvimbo yangu Inoera pakati pavo narini wose. 27Ndichaita musha wangu mukati mavo uye ndichava Mwari wavo, ivo vachavawo vanhu vangu. 28Ndipo pachazoziva vemarudzi kuti ini Tenzi ndini ndinoeresa Isiraeri, Nzvimbo yangu Inoera painenge iri pakati pavo narini wose.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 37: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda