Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Zvino chinzwa, kuchema kwevaIsiraeri ndakunzwa, uye ndaona kutambudzwa kwavari kuitwa navaIjipiti. Saka zvino chiuya ndikutume kuna Farao, kundoburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti.”
Verenga chikamu Kubuda 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 3:7-10
5 Mazuva
Takadanwa kuti titungamirire sezvakaita Jesu. Hutungamiri hunotanga nemunhu, kwete chinzvimbo, uye chinangwa cheutungamiri ndechekufambisa vanhu vaMwari muzvinangwa zvake. Chimwe nechimwe chezviverengero zvezuva nezuva izvi chichakubatsira iwe kuisa hwaro hwakasimba mumamiriro ako ehutungamiriri, ichikuyeuchidza kuti iwe usati wave mutungamiri uri muranda, uye usati wave muranda uri mwana anodiwa waMwari.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo