Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 5:13-22

Dhanieri 5:13-22 SCLB

Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha? Ndakanzwa nezvako iwe zvichinzi Mweya waMwari Anoera uri mauri uye kuti chiedza nokunzwisisa noungwaru hwakanakisisa chaizvo zvinowanikwa mauri. Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva. Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Dhanieri akapindura kuna mambo achiti, “Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu imi; mibayiro yenyu muipe zvenyu kuno mumwe. Asi kukuverengerai, mambo ndichakuverengerai zvakanyorwa izvozvi ndigodudzira zvazvinoreva. Mambo Mwari wokumusorosoro akapa Nebhukadhineza baba venyu imi, umambo noukuruukuru nembiri nechiremera. Pamusana poukuruukuru hwaakavapa, marudzi ose zvawo nendudzi dzavanhu, ndimi nendimi vaidedera kuvatya. Vaiti wavada kuuraya vouraya, wavainge vada kurega ari mupenyu vorega zvavo. Wavainge vadawo kusumudzira vaimusumudzira pamusoro. Wavaingewo vada zvavo kudzikisira pasi vaidzikisa. Asi pavakazongozvitutumadza vakaomesa mwoyo kuita kwavo kukabva kwava kwokuzvikudza, vakabviswa pachigaro chavo choumambo vakatorerwa mbiri yavo. Vakabviswa mukati mavanhu vakapiwa mwoyo womhuka. Vakandogara pamwechete namadhongi esango vofura sora semombe vachinyorova muviri nedova redenga kudzamara pavakazoziva kuti iye Mwari Wokumusororo ndiye anotonga humambo hwavanhu achihupa kuna ani naani waanenge ada zvake. Zvino iwe mwanakomana wake, iwe Bherishaza hauna kuzvidukupisa kunyangwe, zvose izvozvi waizviziva hako.

Verenga chikamu Dhanieri 5