Varume vokuKiriatijearimu vakauya vakatora bhokisi raTenzi rechitenderano vakaenda naro kumba kwaAbhinadhabhu pachikomo. Vakagadza mwana wake Ereazari kuti achengete bhokisi raTenzi rechitenderano. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara muKiriatijearimu kwenguva ndefu kubvira musi waraiswa ikoko. Rakasvitsa makore makumi maviri, vaIsiraeri vose vakachema kuna Tenzi. Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.” Naizvozvo vaIsiraeri vakarasa vamwari ivavo vanaBhaari navanaAshitaroti vakanamata Tenzi chete. Ipapo Samueri akazoti, “Unganidzai vaIsiraeri vose kuMizipa, ndigokunamatirai kuna Tenzi.” Nokudaro vakaungana kuMizipa vakateka mvura vakaidururira pasi pamberi paTenzi, vakatsanya musi iwoyoyo vakareurura vachiti, “Takatadzira Tenzi.” Samueri akatonga vaIsiraeri ari kuMizipa. Kuzoti vaFirisitia vanzwa kuti vaIsiraeri vakanga vaunganidzana kuMizipa, madzishe echiFirisitia akakwira ikoko kundorwisa vaIsiraeri. Izvozvi pazvakasvikawo munzeve dzavaIsiraeri vakatya vaFirisitia. VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musamborega zvenyu kuramba muchitinamatira kuna Tenzi Mwari wedu kuti atinunure mumaoko avaFirisitia.” Samueri akatora hwayana ichiri kuyamwa akaipira kuna Tenzi sechibayiro chinopiswa mutumbi wose. Samueri uyu akateterera kunamatira vaIsiraeri kuna Tenzi, Tenzi ndokumupindura. Samueri achingunopira chibayiro ichocho kudaro, nokokowo vaFirisitia ndiye tutururu vhu kusvika kuzorwisa vaIsiraeri. Asi musi iwoyo Tenzi akatinhira nomutinhiro mukuru kwazvo nechepamusoro pavaFirisitia akavakangaidza, vaFirisitia vakadzvamutswa navaIsiraeri. VaIsiraeri vakabudira vaFirisitia muMizipa vakadzingirirana navo vachivaita rumwe rumwe kuuraya nzira yose kusvikira munyasi meBhetikari. Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni akaritumidza zita rokuti, “Dombo rerubatsiro” achiti, “Tenzi atibatsira kusvikira pari nhasi.” Nokudaro vaFirisitia vakakundwa vakarega kuzopindazve munyika yavaIsiraeri. Paupenyu hwose hwaSamueri ruoko rwaMwari rwairwisa vaFirisitia.
Verenga chikamu 1 Samueri 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 7:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo