Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 18

18
Mapitse aEriya navaporofita vaBhaari
1Shure kwamazuva akawanda, shoko raTenzi rakauya kuna Eriya mava mugore rechitatu richiti, “Chienda uchindozviratidza kuna Ahabhu, ini ndichazonayisa mvura panyika.” 2Saizvozvowo Eriya akandozviratidza kuna Ahabhu.
Nzara yakanga zvino yatsviriridza muSamaria. 3Ahabhu akadaidza Obhadhiya mukuru mukuru wepamuzinda. Zvino Obhadhiya aiva munhu aitya Tenzi zvikuru kwazvo. 4Nokudaro Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi, Obhadhiya akatora vaporofita zana akavahwandisa mumapako vachiti umu makumi mashanu umu makumi mashanu achipota achivapa chingwa nemvura. 5Ahabhu akati kuna Obhadhiya, “Wochifamba nenyika ino kumatsime ose nomumapani ose zvimwe tingawane pachine mafuro tikararamisa mabhiza namanyurusi tirege kurasikirwa nezvimwe zvipfuwo.” 6Pauviri hwavo vakabvawo vapana mativi enyika iyi okundomema. Ahabhu akaenda nokwake ari oga, Obhadhiya akaendawo nokwake ari oga.
7Vakati zvino Obhadhiya ava munzira, ndiye mahwekwe naEriya, Obhadhiya ndokumuziva ndokubva ati nouso pasi gwadagwa akati, “Ndiwe here chokwadi Eriya changamire?”
8Akamudaira achiti, “Ndini zvangu. Iwe chienda undotaurira tenzi wako kuti Eriya uya ari pano.”
9Iye akati, “Chandakatadza chaizvo chii kundiisa zvenyu ini muranda wenyu mumaoko aAhabhu kuti ndiurayiwe? 10NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, changamire vangu yavasina kutumira vanhu vokukutsvakai. Kana paine vaiti haako kuno, kwaitoita munhu weko aitopika nemhiko akamiririra rudzi irworwo kuti havana kukuwanai. 11Zvino imi ndopomonditi, ‘Enda utaurire vatenzi vako kuti Eriya uyu ari pano.’ 12Pandinongoti ibvei pano pamuri Mweya waTenzi unokutututsirai kumwe kwandisingamboziva zvangu ndinozosara zvangu ndotaurira Ahabhu wokushayai pano, anondiuraya kunyange zvazvo ini muranda wenyu kubvira paudiki hwangu ndanga ndichingova munhu anotya Tenzi. 13Zvandakaita hamusati mazvinzwa here zvokuti Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi ini ndakahwandisa vaporofita zana vaTenzi mumapako, ndichivati umu makumi mashanu, umu makumi mashanu ndichivapa chingwa nemvura? 14Zvino imi ndopamungati, ‘Enda utaurire vatenzi vako’ kuti, ‘Eriya uya ari pano’ anondiuraya uye.”
15Eriya ndokuti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wehondo nehondo wandinonamata kuti ndichatozviratidza chete kwaari iye nhasi uno.”
16Ipapo Obhadhiya akandoonana naAhabhu akamutaurira, Ahabhu akandoonanawo naEriya. 17Ahabhu paakaona Eriya, Ahabhu uyu akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi weIsiraeri?”
18Eriya akati, “Ini handisirini mutambudzi weIsiraeri, asi kutoti iyemi nevemba yababa venyu nokuti makakanda pasi mitemo yaTenzi mukanamata vana Bhaari. 19Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.”
Mapitse aEriya navaporofita vokwaBhaari pagomo reKarimero
20Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero. 21Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura. 22Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu. 23Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto. 24Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.”
25Eriya akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvisarudzirai handira mutange ndimi kudaro nokuti makawanda, modaidzira nezita kuna mwari wenyu asi musatungidzepo moto.”
26Vakatora handira yavakanga vapiwa vakaigadzirira vakadaidzira nezita kuna Bhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati vachiti, “Bhaari we-e tidaireiwo!” Asi hapana chakambonzwika kana kuwana akadaira. Vakayavaya kutamba vachitenderera atari yavakanga vavaka.
27Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.” 28Ivo vakazhambatatawo maererano netsika yavo vakazvicheka-cheka namapakatwa nezvisvo kudzamara ropa royerera nomuviri wavo. 29Zuva rakarereka vachingopengereka kusvikira panguva yokupira chibayiro asi hapana chakambonzwika kana kuwana akapindura kana akambozviteerera.
30Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa. 31Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.” 32Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa. 33Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.” 34Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.” 35Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura.
36Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. 37Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.”
38Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero. 39Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.”
40Eriya akavati, “Batai vaporofita vaBhaari. Musarege kunyange nomumwe chete wavo achipunyuka.” Vakavabata, Eriya akadzika navo kukakova keKishoni akavaurayira ikoko.
Kunaya kwakazoita mvura
41Eriya akati kuna Ahabhu, “Chikwirai zvenyu mundodya nokunwa nokuti kune kuwunga kwemvura yomudenga zhinji kwazvo.” 42Saizvozvowo Ahabhu akakwira zvake kundodya nokunwa, Eriya akakwirawo pamusoro peGomo reKarimero. Akati pasi gwadagwa uso huri pakati pamabvi. 43Akati kune aimushandira, “Chikwira utarise kugungwa.” Iye akakwira akatarisako akati, “Hakuna chiriko.”
44Iye akati, “Endako kanomwe.” Kechinomwe kacho akati, “Kuri kuoneka kakore kanenge chanza chomunhu kari kukwira kachibuda mugungwa.” Iye ndokuti, “Chikwira kuna Ahabhu undoti, sungai ngoro dzenyu dzehondo mutodzika zvenyu mungadaro mukadzivirirwa nemvura.”
45Nenguva shoma shoma matenga akasviba kuti ndo-o namakore nemhepo mvura ikapurana kwazvo kunaya. Ahabhu akati mungoro kata ndokubva aenda kuJezirieri. 46Simba raTenzi rakava naEriya; akakunya hanzu dzake muchiuno akamhanya ari pamberi paAhabhu kusvikira tava kundopinda muJezirieri.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 18: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda