Zekariya 7
7
TENZI anotsiura kutsanya kwechipameso
1Mugore rechina rokutonga kwamambo Dhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya pamusi wechina wemwedzi wechipfumbamwe uri mwedzi waKisirevhu. 2Zvino vanhu vokuBhetieri vakanga vatumira Sharezeru naRegemereki navarume vokwavo kundoteterera kuti vaitirwe tsiye nyoro naTENZI, 3nokundobvunzawo vapristi vepamba yaTENZI wehondo nehondo navaporofita kuti, “Ndinofanira here kuchema nhamo kana kutsanya mumwedzi wechishanu sezvandanga ndichingoita kwamakore namakore?”
4Shoko raTENZI wehondo nehondo rakazouya kwandiri richiti, 5“Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here? 6Kunyange napaya pamunodya napamunonwawo, handiti munenge muchitozvidyira nokuzvinwirawo zvenyu iyemi pachenyu?’ ” 7Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here?
Ndambakuudzwa dzakazviparira nhamo yokutapwa
8Shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya richiti, 9“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo tongai zviri pachokwadi chaipo muchiitirana mwoyo wakanaka muchinzwirana tsitsi hama nehama. 10Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo.
11“Asi ivo vakaramba kunzwa, vakagwikura mapfudzi vachityorera zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa. 12Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo. 13Sokudaidza kwandakaita ivo vakaramba kunzwa, ndokudaidzawo kwavakazoita ini ndigokaregawo kuvateerera, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. 14Uye ndakavati mwarara nechamupupuri chaicho mukati memarudzi ose avakanga vasingazivi, nezvo nyika yavakasiya yakava renje zvaro zvokushaya kana nomunhu aifamba–fambamo; saizvozvo, nyika yakanaka yaitwa renje zvino.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.