Rute 2:8-20
Rute 2:8-20 SCLBD
Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava. Ziso rako ngarirege kubva pamunda wavanenge vachikohwa urambe uchingovatevera. Ndaudza vakomana ava kuti varege kuwana chakaipa chavanoita kwauri. Kana wava nenyota woendawo kumidziyo uko wondonwa mvura inenge yatekwa navashandi ava.” Rute akapfugama ndokutyora uso akati, “Zvandibvira nepiko kuti mundiitirewo mwoyochena wakadai wokundicheukawo kudai ini zvangu mutorwa?” Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Tenzi ngaakupe mubayiro wezvawakaita, upiwe mubayiro wakakwana chaiwo naTenzi, Mwari wavaIsiraeri mumapapiro ake mawakauya kuzopotera.” Iye ndokuti, “Maita mwoyo wakanaka chaizvo kwandiri changamire nokuti mandigadzanisa mwoyo, uye mataura neni zvakanaka kwazvo kunyange zvazvo ndisiri mumwe wavasikana ava, vanokushandirai.” Panguva yokudya, Bhoazi akati kuna Rute, “Chimbouya kuno udye chingwa uchichiseva muwaini.” Rute akauya akagara pedyo navakohwi. Bhoazi akamupa mbesanwa dzakakangwa, akadya akaguta zvokutosiyawo zvimwe. Rute paakadzokera kundofuhwa, Bhoazi akataurira vakomana vake achiti, “Regai zvenyu mukadzi uyu afuhwe kunyange pazvisote murege kuita chakaipa kwaari chingamufumure. Asi musvomhorerei dzimwe hura pazvisote izvozvo, muchimusiyira kuti afuhwe asi musamutsiure.” Saka akafuhwa kusvikira manheru ndokubva apura bhari yaakanga afuhwa akawana bhari inorema makirogiramu ainge oda kusvika gumi. Akaitakura akaenda nayo kuguta akandoratidza vamwene vake zvaakanga afuhwa. Akavaigirawo zvokudya zviya zvakasara paakadya akaguta. Vamwene vake vakati kwaari, “Wafuhwa kupiko nhasi? Waita basa kupi? Ndiani zvake akucheukawo iyeyo?” Akataurira vamwene vake kuti ndokwavani kwaakanga ashanda. Akati, “Zita romurume wokwandashanda nhasi ndiBhoazi.” Naomi akati kumuroora wake, “Tenzi ane mwoyochena usingaperi kuvapenyu kana vakafa, ngaakomborere murume iyeyo!” Naomi akatiwo, “Mufungeka murume iyeyo ihama yedu chaiyo yepedyo, mugariwo wedzinhaka dzomumusha medu.”

