Rute 2:8-20
Rute 2:8-20 SNA2002
Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu. Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.” Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?” Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.” Iye akati, “Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.” Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe. Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, “Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa. Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.” Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari. Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo. Ipapo vamwene vake vakati kwaari, “Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.” Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, “Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi.” Naomi akati kumukadzi womwana wake, “Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa.” Naomi akati kwaari, “Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikinuri vedu.”

