Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:12-30

Varoma 8:12-30 SCLBD

Saizvozvo, hama, dzangu hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu hwenyama nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa asi kana ukauraya, naMweya, zviito zvomuviri uchararama. Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari vana vaMwari nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti mupindezve mukutya asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana. Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.” Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona. Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu. Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari. Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji. Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri.

Verenga chikamu Varoma 8