Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:12-30

Varoma 8:12-30 SNA2002

Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama; nokuti vose vanotungamirirwa naMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. Nokuti hamuna kupiwa mweya wouranda kuti mutyezve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti, “Aba, baba.” Mweya amene anopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwechete naKristu; kana tichitambudzika pamwechete naye, tigokudzwawo pamwechete naye. Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino. Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuo, kunyange tine zvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani anotarira chaanoona? Asi kana tichitarira chatisingaoni, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvo Mweya anobatiranawo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi; uyo anonzvera mwoyo, ndiye anoziva kufunga kwoMweya, nokuti anonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari. Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.

Verenga chikamu Varoma 8