Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vafiripi 3:10-16

Vafiripi 3:10-16 SCLBD

Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo.

Verenga chikamu Vafiripi 3