kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu. Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi munomumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo. Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomuraviro iwoyu watasvika nawo patasvika.
Verenga chikamu VaFiripi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 3:10-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo