Zvino kana imi muine chinokukurudzirai muna Kristu, muine rudo runokugadzanisai mwoyo, muina Mweya uye muine rudo nomutsa, chiitai kuti ndinyatsofara nokuva nomwoyo mumwechete kwenyu muchidana zvimwechetezvo, muchinzwana muine mweya mumwechete. Musaite chii zvacho pamusana pokungozvifunga kana pamusana pokuzvikudza. Asi zvirerekei mutore vamwe savari nani kwamuri. Munhu ngaarege kungoisa ziso pane zvake chete asi ngaaite hanya nezvavamwe. Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu. Ava munhu kudaro akazvidukupisa akateerera kudzamara pakufa, rufu rwomuchinjikwa. Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira uye kuti rurimi rumwe norumwe rutaure pachena kuti Jesu ndiTenzi kuitira kuti Mwari Baba varumbidzwe. Naizvozvo hama dzangu dzadiwa, savanhu vanoteerera nguva dzose, nezvo nyatsoshandirai ruponeso rwenyu muchitya uye muchidedera kwete kana ndiripo chete asi zvikuru kana ndisipo nokuti Mwari anoshanda mamuri kuti mude uye kuti mumushandire zvaanoda. Itai zvose musinganyunyuti kana kuita nharo kuti muve vanhu vasina mhosva vasina chakaipa pavari, vana vaMwari vasina chavanopomerwa mukati mechizvarwa chavanhu vakakombama, vakashata mamunopenya sezviedza panyika. Kubatisisa kwenyu shoko roupenyu ndiko kuchaita kuti ndizvikudze pazuva raKristu kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira pasina. Kunyange zvazvo ndikadururwa somuteuro pamusoro pemupiro wechibayiro chechitendero chenyu ndinofara nokupembera pamwe nemi mose nemiwo munofanira kufara nokupembera pamwechete neni. Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei. Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza. Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya. Iye akanga achisuwira kwazvo kukuonai mose. Zvakamurwadza kwazvo kuti imi makanzwa kuti iye airwara. Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo. Nezvo ndinodisisa kwazvo kumutumira kuti mufare kwazvo kumuonazve uyewo kuti ndinge ndinoti gadzanei mwoyo. Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai nokuti akaisa upenyu rwake parumano zvokutoda kufira basa raKristu kuti andipe rubatsiro rwamakanga musingakwanisi kundipa.
Verenga chikamu Vafiripi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vafiripi 2:1-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo