Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 2:1-30

VaFiripi 2:1-30 SNA2002

Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwoMweya, kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo. Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe. Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera; nokuti ndiye Mwari anoita mukati menyu kuda nokuita nokuda kwake kwakanaka. Itai zvose musinganyunyuti musina nharo; kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoonekwa pakati parwo sezviedza panyika; makabatisisa shoko roupenyu, kuti ndive nechandingazvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata basa pasina. Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuda kwaizvozvo nemiwo mufare nokufarisisa neni. MunaIshe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timoti kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handina mumwe munhu anomwoyo wakaita sowake, achava nehanya kwazvo nezvenyu. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwechete neni paVhangeri, somwana anobatira baba vake. Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndaona kuti zvangu zvakadini; asi ndinotenda muna Ishe kuti neniwo ndimene ndichakurumidza kuuya. Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu; zvaakanga achikushuvai zvikuru imi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imi makanga manzwa kuti anorwara. Nokuti akanga achirwara kwazvo, ari pakufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neniwo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo. Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuone, mufarezve, neni ndirege kuva nenhamo. Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nomufaro wose, uye mukudze vakadai; nokuti nokuda kwebasa raKristu akanga oda kufa, akasarangarira upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.

Verenga chikamu VaFiripi 2