Mateu 2:13-18
Mateu 2:13-18 SCLBD
Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya. Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti, “Izwi rakanzikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake achiramba kunyaradzwa nokuti vakanga vasisipo.”

