Mateu 2:13-18
Mateu 2:13-18 SNA2002
Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.” Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.” Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri. Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti, “Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Rakeri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”

