Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:22-42

Mateu 12:22-42 SCLBD

Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona. Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?” VaFarisei pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu anodzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru chete jinda remweya yakaipa.” Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira. Zvino Satani kana achidzinga Satani, ari kutozvirwisa iye pachake. Umambo hwake hungamire sei? “Kana ndichidzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru, ko vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani? Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri. Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro. “Uyo asineni, ari kurwisana neni; asingaunganidzi neni, anoparadza. Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi. Uyo anotaura chinhu chakaipa nezvoMwanakomana womunhu acharegererwa asi uyo anotaura zvakaipa nezvaMweya Mutsvene haaregererwi, muupenyu huno kana muupenyu huchauya. “Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo. Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo. Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu. Pazuva rokutongwa, vanhu veNinivhe vachasimuka vachipa mhosva chizvarwa ichi vachichibata nemhosva nokuti vakatendeuka pakaparidza Jona. Asi onai pano pane chakakura kupinda Jona. Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni.

Verenga chikamu Mateu 12