Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:22-42

Mateo 12:22-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?” Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.” Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri. Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei? Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza. Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi. Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.” Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.” Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu. Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 12

Mateo 12:22-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vakaisa kwaari munhu aiva nomweya wakaipa, raiva bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo mbeveve yakataura nokuonawo. Vanhu vazhinji vose vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haasi mwanakomana waDhavhidhi here?” Zvino vaFarisi vakati vachizvinzwa, vakati, “Munhu uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri, muchinda wemweya yakaipa.” Zvino Jesu achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neguta kana imba inozvipesanisa, haingamiri. NaSatani kana achibudisa Satani, anozvipesanisa; ushe hwake huchamira seiko? “Neni, kana ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Saka ivo vachava vatongi venyu. Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo hushe hwaMwari hwasvika kwamuri. “Munhu angapinda seiko paimba yaanesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosunga uya anesimba? Ipapo achaparadza imba yake. Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza. “Naizvozvo ndinoti kwamuri, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokushonha, asi kushonha Mweya, havangaregererwi. Ani naani anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, acharegererwa asi anotaura shoko rakaipa pamusoro peMweya Mutsvene, haaregererwi, kana panguva ino, kana pane inouya. “Itai muti uve wakanaka, nemichero yawo yakanakawo; kana itai muti uve wakaipa, nemichero yawo yakaipawo; nokuti muti unozikanwa nemichero yawo. Imi, vana venyoka, mungagona seiko kutaura zvinhu zvakanaka, zvamuri vakaipa? Nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo. “Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchapiwa mhosva.” Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu. Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; asi tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva, nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; asi tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 12

Mateo 12:22-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwakauiswa kwaari bofu raive mbeveve rine mweya wakaipa akariporesa zvokuti mbeveve iya yakataura ikakwanisa kuona. Vanhu vose vakashamiswa vakati, “Uyu angave mwana waDhavhidhi here uyu?” VaFarisei pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu anodzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru chete jinda remweya yakaipa.” Jesu pamusana pokuziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunozvirwisa hunoparara. Hakunawo guta kana imba inozvirwisa ingagone kumira. Zvino Satani kana achidzinga Satani, ari kutozvirwisa iye pachake. Umambo hwake hungamire sei? “Kana ndichidzinga mweya yakaipa nesimba raBherizebhuru, ko vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani? Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa noMweya waMwari, saka umambo hwaMwari hwatosvika pamuri. Kana kuti zvingaitike sei kutoti munhu angapinde mumba merume rine simba achipamba zvinhu zvaro, asi kuti atanga arisunga, ndokuzopamba zvemba yaro. “Uyo asineni, ari kurwisana neni; asingaunganidzi neni, anoparadza. Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi. Uyo anotaura chinhu chakaipa nezvoMwanakomana womunhu acharegererwa asi uyo anotaura zvakaipa nezvaMweya Mutsvene haaregererwi, muupenyu huno kana muupenyu huchauya. “Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo. Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo. Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.” Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu. Pazuva rokutongwa, vanhu veNinivhe vachasimuka vachipa mhosva chizvarwa ichi vachichibata nemhosva nokuti vakatendeuka pakaparidza Jona. Asi onai pano pane chakakura kupinda Jona. Pazuva rokutongwa Mambokadzi wokumaodzanyemba achasimuka achipa mhosva chizvarwa ichi achichibata nemhosva nokuti iye akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pano mukuru kupinda Soromoni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 12

Mateo 12:22-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waDavidi here? Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Munhu uyu haaɓuɗisi mŋeya yakaipa, asi naBeerzeburi, mucinda wemŋeya yakaipa. Ɀino Jesu aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neguta kana imba inoɀipesanisa, haiŋgamiri. NaSatani kana aciɓuɗisa Satani, unoɀipesanisa; ʋushe bgake bgucamira seiko? Neni, kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Saka iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa noMŋeya waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza. Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Ʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose nokumhura, asi kumhura Mŋeya, haʋaŋgakukaŋganwirwi. Aninani unotaura shoko rakaipa kuMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa; asi unotaura shoko rakaipa kuMŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi, kana paŋguʋa ino, kana kuneinoʋuya. Itai muti uʋe wakanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakanaka ʋo; kana itai muti uʋe wakaipa, neɀiɓereko ɀawo ɀakaipa ʋo; nokuti muti unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Imi, ɀiɓereko ɀenyoka, muŋgagona seiko kutaura ɀinhu ɀakanaka, ɀamuri ʋakaipa? Nokuti muromo unotaura ɀizere pamŋoyo. Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga. Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa. Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri. Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona. Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu. Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋacarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ucarupa mhoȿa, nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 12

Mateo 12:22-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)