Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 11:1-7

Mateu 11:1-7 SCLBD

Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo. Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti, “Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka. Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.” Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?

Verenga chikamu Mateu 11