Mateu 11:1-7
Mateu 11:1-7 SNA2002
Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri. Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.” Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?

