Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 22

22
E: HONDO YECHIPIRI NAVAARAMU
Kuyambirwa kwakaitwa mambo Ahabhu nomuporofita Mikaya
(2 Nhor 18:2–27)
1Kwakapera makore matatu ose nyika yeSiria neyeIsiraeri dzisina kurwisana. 2Asi mugore rechitatu racho Jehoshafati mambo wokwaJudha akadzika kuna mambo wokwaIsiraeri. 3Mambo wokwaIsiraeri akakurukura namakurukota ake achiti, “Zviye munoziva here kuti guta reRamotigireadhi nderedu. Asi isu toramba here takangonyarara tisingaritorere mambo weSiria.” 4Ahabhu akabva ati kuna Jehoshafati, “Hamungaende here neni kuhondo kundorwisa guta reRamotigireadhi?”
Jehoshafati akapindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu anongovawo mabhiza enyu.” 5Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?”
Vaporofita venhema
6Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita vainge voda kusvika mazana mana akavati, “Ndoenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti ndorega zvangu?”
Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
7Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?”
8Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa chete.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
9Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.”
10Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo, panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vainge vachitoporofita vari pamberi pavo.
11Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ” 12Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwidzai zvenyu kuguta reRamotigireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
Muporofita Mikaya anotaura chokwadi
13Nhumwa yakaenda kundodaidza Mikaya yakamuti, “Chinzwaika, vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo uku. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa ikoko zvivewo zvakanaka.”
14Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvandinenge ndaudzwa naTenzi izvozvo ndozvandichataura.”
15Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya toenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti torega zvedu?”
Iye akapindura achiti, “A endai zvenyuka mundokundaka, Tenzi achariisaka mumaoko amambo.”
16Mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikupikise kangani kunditaurira chokwadi muzita raTenzi.”
17Iye ndokuti,
“Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo
sehwai dzisisina mufudzi.
Tenzi akati,
‘Ivava ava, havasisina vanatenzi vavo.
Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake murugare.’ ”
18Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu, asi zvakaipa chete.”
19Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe. 20Tenzi ati, ‘Ndiyani angaende zvake akafurira Ahabhu kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vadomatoma vachitaura twakasiyana-siyana. 21Ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ 22Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu ndondova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ 23Naizvozvo chinzwai Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu vose. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.” 24Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi maMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura kwauri?”
25Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.”
26Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti, 27zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.”
28Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka, Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzweiwo vanhu mose!”
Firo yamambo Ahabhu
(2 Nhor 18:28–34)
29Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamotigireadhi. 30Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza akaita sokunge mumwewo munhu, ndokubva apindawo mukati mehondo.
31Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru makumi matatu ana vaviri vengoro dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.” 32Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere. 33Pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira. 34Asi mumwe murume akangokandawo museve ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati pedemautare rapadundundu rokuzvidzivirira naro, naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze hwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
35Hondo yakatsviriridza musi iwoyo, mambo ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yake yehondo akatarisa kuvaSiria kusvikira kumanheru ndokubva afa. Ropa reronda iri rakayererera pasi mungoro yehondo imomo. 36Kuzoti zuva rodoka kwakadaidzirwa muhondo imomo zvichinzi, “Munhu wose ngaazive kuguta rokwake, munhu wose kunyika kwake.”
37Saizvozvo mambo akafa akaendwa naye kuSamaria vakaviga mambo muSamaria. 38Vakasukira ngoro yacho yehondo pane rimwe dziva romuSamaria, imbwa dzikananzva zvadzo ropa rake, pfambi dzikazvishambidza zvadzo imomo maererano neshoko raTenzi raakanga afanotaura.
F: ZVAKAITIKA MUSHURE MOKUFA KWAAHABHU
39Inga dzimwe nyaya dzezvaAhabhu nezvinhu zvose zvaakaita nemba yomunyanga wenzou yaakavaka namaguta ose aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri. 40Naizvozvo Ahabhu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, Ahaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Jehoshafati mambo wokwaJudha (870—848 K.A.A.)
(2 Nhor 20:31—21:1)
41Jehoshafati mwanakomana waAsa akatangisa kutonga kwaJudha mugore rechina rokutonga kwaAhabhu mambo wokwaIsiraeri. 42Jehoshafati akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi. 43Jehoshafati uyu akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa, vanhu vakaramba vachingopira zvibayiro nokupisawo rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira. 44Pakati paJehoshafati namambo wokwaIsiraeri paiva norunyararo.
45Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati nougamba hwake hwaaiita nokurwa hondo kwaaiita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 46Mhombwe dzaiita basa radzo irori mune zvokunamata dzakanga dzasaririra panguva yababa vake Asa akadzipedza kuuraya munyika.
47Izvozvo kuEdhomu kwaiva kusina mambo kuchingova nomumiririri. 48Jehoshafati akagadzira ngarava dzokuTarishishi dzokuenda nadzo kundotora ndarama kuOfiri. Asi havana kuzoendako nokuti ngarava dzakapararira kuEzionigebheru. 49Ahaziya mwanakomana waAhabhu ndokuti kuna Jehoshafati, “Regai zvenyu machinda angu aende namachinda enyu mungarava idzi,” asi Jehoshafati haana kuda.
50Jehoshafati akazovata oendawo kwakenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pakavigwa madzibaba ake muguta ratateguru wake Dhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu akazotonga panzvimbo pake.
Ahaziya mambo wokwaIsiraeri (835—852 K.A.A.)
51Ahaziya mwanakomana waAhabhu akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. 52Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi akafamba mugwara rababa vake uye mugwara raamai vake uyewo mugwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati akaparisa Isiraeri chitadzo. 53Ainamata Bhaari achimupfugamira akashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvinhu zvose zvaiitwa nababa vake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 22: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda