Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 1

1
I: MADZIMAMBO OUMAMBO HWOKWADHAVHIDHI
1Mambo Dhavhidhi paakanga achembera, makore ake aendedzana, kunyange zvazvo vaimufukidza namagumbeze, akanga asisanzwe kudziya. 2Nokudaro makurukota ake akati kwaari, “Mambo changamire, dai patsvakwa musikana, mhandara, ive yokushandira mambo nokumuchengeta, avate pedyo nechifuva chenyu kuti munzwe kudziya, mambo changamire.” 3Saizvozvo vakabva vatsvaka musikana, mhandara, ino, yakanaka munyika yose yeIsiraeri. Vakawana Abhishagi wokuShunamu, vakauya naye kuna mambo. 4Mhandara iyoyi yakanga yakanaka kwazvo. Ndiye akabva ava wokuchengeta mambo nokumushandira. Asi mambo haana kuzivana naye.
5Adhoniya mwanakomana womukadzi ainzi Hagiti akazvikudza achiti ndinoda kuva mambo, akazvigadzirira ngoro dzehondo navachayiri navanhu makumi mashanu vokumhanya vari mberi kwake. 6Baba vake havana kumbenge vambomutsiudza zvavo vachiti, “Unoitirei zvauri kuita izvi?” Iyeyu akanga akanakawo kwazvo chimiro uye ndiye aitevedzera Abhusharomu. 7Akataurirana naJoabhu mwanakomana waZeruya nomupristi Abhiyatari. Vakabvuma kubatsirana naAdhoniya. 8Asi mupristi Zadhoki naBhenaya mwanakomana waJehoyadha nomuporofita Natani naShimei naRei nemagamba ehondo aiva naDhavhidhi haana kuwirirana naAdhoniya.
9Adhoniya akapira zvibayiro zvehwai nemombe namagondora akakodzwa ari kuDombo reNyoka pedyo nokuEnirogeri. Akakokako vakomana navanun'una vake vose, vanakomana vamambo nevokwaJudha vose vaiva makurukota amambo. 10Asi haana kukoka muporofita Natani kana Bhenaya kunyange magamba aye omuhondo kana Soromoni.
Natani anonyeurira vaBhatishebha
11Natani vakabvunza Bhatishebha amai vaSoromoni kuti, “Hamuna kunzwa here kuti Adhoniya mwana waHagiti atova mambo asi changamire wedu Dhavhidhi havasi kumbozviziva. 12Saka zvino chiregai ndikupei zano muzviponese upenyu imi nomwana wenyu Soromoni. 13Ibvai maenda kuna mambo Dhavhidhi mumuti, mambo changamire, hamuna here kunditsidzira ini muranda wenyu kuti Soromoni mwana wako ndiye achatonga mushure mangu, achizogara pachigaro changu choumambo? Ko zvauya sei kuti Adhoniya ava kutonga? 14Paunenge uchitaura namambo kudaro ndipo pandinobva ndatevera mushure ndozotsinhira mazwi ako.”
15Saka Bhatishebha akaenda kuna mambo mumba make. Izvozvo mambo akanga ava Harahwa chaiyo, Abhishagi muShunami ndiye aichengeta mambo ivava. 16Bhatishebha akati pasi gwadagwa kuremekedza mambo, mambo akati, “Tipirei tinzwe nhuna dzenyu.”
17Akati kwaari, “Changamire imi makatsidza kwandiri ini muranda wenyu naTenzi, Mwari wenyu muchiti Soromoni mwanakomana wako ndiye achatonga mushure mangu achizogara pachigaro changu choumambo. 18Asi zvino chitarisai muone Adhoniya atova mambo kunyange zvazvo imi mambo changamire musiri kuzviziva. 19Atopira zvibayiro zvemombe nezvigondora zvakakodzwa nezvehwai zvakawanda kwazvo. Akagokokawo vanakomana vose vamambo nomupristi Abhiyatari naJoabhu mutungamiriri wehondo. Asi Soromoni muranda wenyu haana kumukoka. 20Zvino mambo changamire meso eIsiraeri yose akatotarisa kwamuri kuvaudza kuti ndiani achagara pachigaro chenyu choumambo mushure menyu mambo changamire. 21Dzimwe nguva kana imi mambo changamire mukazenge mavata maendawo kwakaenda vamwe madzitateguru enyu ini nemwana wangu Soromoni tichaonekwa savanhu vakapara mhosva.”
22Pavaingunotaura namambo kudaro muporofita Natani ndiyewo vhu ipapo. 23Vakazivisa mambo kuti, “Muporofita Natani ava pano.” Paakapinda maiva namambo akati pasi gwadagwa, akatyora uso pana mambo. 24Natani akati, “Mambo changamire ndimi here imi mati Adhoniya atonge mushure menyu uye agare pachigaro chenyu choumambo? 25Ndiri kudaro nokuti iye nhasi uno adzika uko akapira zvibayiro zvemombe nezvigondora zvakakodzwa nehwai zvizhinji kwazvo. Akoka vanakomana venyu mambo naJoabhu mukuru wehondo nomupristi Abhiyatari, kurizvino vari kutodya vachinwa naye vachitomuti, ‘Zvigare zvakadaro, mambo Adhoniya!’ 26Asi ini muranda wenyu nomupristi Zadhoki naBhenaya mwana wavaJehoyadha nomuranda wenyu Soromoni haana kutikoka. 27Izvi ndimi here, makaronga mambo changamire musina kutinyeverawo isu varanda venyu kuti ndiani achagara pachigaro chenyu choumambo mushure menyu, mambo changamire?”
Kugadzwa umambo kwakaitwa Soromoni
28Mambo Dhavhidhi akapindura achiti, “Ndidaidzirei Bhatishebha.” Akapindamo makanga muna mambo akasvikomira pana mambo. 29Mambo akatsidza nemhiko achiti, “NaTenzi mupenyu akandinunura munhamo dzangu dzose 30sokupika chaiko kwandakamboita kwamuri naTenzi, Mwari weIsiraeri ndichiti, ‘Soromoni mwana wako ndiye achatotonga chete mushure mangu iye ndiye achagara pachigaro changu choumambo panzvimbo pangu, izvozvo ndozvandiri kutoita iye nhasi uno.’ ”
31Bhatishebha akakotamira mambo uso hwakatarisa pasi achimuremekedza akati, “Changamire mambo Dhavhidhi raramai nokusingaperi!”
32Mambo Dhavhidhi akati, “Ndidaidzirei mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha.” Vakasvika pana mambo. 33Mambo akavati, “Endai namakurukota angu ini changamire muti Soromoni mwanakomana wangu atasve nyurisi rangu ini mudzike naye kuGihoni, 34ikoko regai mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vamugadze umambo hweIsiraeri varidze hwamanda vachidaidzira vachiti, ‘Zvigare zvakadaro mambo Soromoni!’ 35Munozomutungamidza mouya naye kuno asvikogara pachigaro changu choumambo nokuti ndiye achava mambo panzvimbo pangu. Ndatomusarudza kuti ave mutongi weIsiraeri naJudha.”
36Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akapindura mambo achiti, “Ndizvozvo chaizvo! Dai Tenzi, Mwari wenyu mambo changamire adarowo. 37Dai Tenzi sokuva nemi mambo changamire kwaanga achiita avavo naSoromoni saizvozvo aite kuti umambo hwake hukurekure kupinda hwenyu changamire mambo Dhavhidhi.”
38Saizvozvo mupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwana waJehoyadha nowokuchengetedza mambo, Kereti naPereti vakadzika vakakwidza Soromoni panyurusi ramambo Dhavhidhi vakaenda naye kuGihoni. 39Mupristi Zadhoki akatora chinu chamafuta mutendhe akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Zvirambe zvakadaro mambo Soromoni!” 40Vanhu vose vakakwidza vachimutevera, nyere dzichirira kuchipemberwa kufara zvikuru kwazvo zvokutotsemura pasi.
41Adhoniya navose vakakokwa vaaiva navo vakazvinzwa vachingunopedzesa mabiko avo. Joabhu paakanzwa kurira kwehwamanda akabvunza kuti, “Ko mheremhere iyi iri muguta umu ndeyei?” 42Achiri kutaura kudaro Jonatani mwana womupristi Abhiyatari ndiye vhu ipapo. Adhoniya akati, “Pinda zvako nokuti uri munhu anovimbika unofanira chete kunge uchitotiigira shoko rakanaka.”
43Jonatani akapindura Adhoniya kuti, “Zviri kupiko nhaimi. Zvaitika uku, changamire mambo Dhavhidhi vatogadza Soromoni umambo. 44Mambo vamutuma nomupristi Zadhoki nomuporofita Natani naBhenaya mwanakomana waJehoyadha pamwechete newokuchengetedza mambo Kereti naPereti vandomukwidza panyurusi ramambo. 45Mupristi Zadhoki nomuporofita Natani vatomugadza umambo kuGihoni. Vabva ikoko vachipembera kufara zvokuti muguta umu rangova zhwerendende. Ndiyo mheremhere iyi yamuri kunzwa. 46Soromoni atogara pachigaro choumambo. 47Uyewo makurukota amambo asvika kuzokorokotedza changamire mambo Dhavhidhi vachitoti, Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni riende mbiri kupinda imi aitewo kuti umambo hwake hukurekure kupfuura hwenyu. Mambo akamukotamira, pamubhedha wake. 48Iye mambo atotiwo ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri apa kuti pave nomwana wangu#1:48 Nomwana wangu: MuchiHebheru panonzi mumwe. wokugara pachigaro changu choumambo nhasi uno ini ndichizvionawo nameso angu.”
49Zvakadederesa vose vaiva vakakokwa naAdhoniya vakati dzvamu uyu kwake uyu kwakwe. 50Asi Adhoniya akatya Soromoni akasimuka akaenda akandobata zvinenge nyanga zvepaatari. 51Shoko rakasvika kuna Soromoni rokuti, “Adhoniya ari kutya mambo Soromoni. Izvozvi ndozvaakatobatira zvinenge nyanga zvepaatari achiti mambo Soromoni ngaatange apika kwandiri kuti haazondiuraya nebakatwa ini muranda wake.”
52Soromoni akati, “Kana akaratidzawo kuti munhu kwaye, hakuna kana rubvudzi rwake rumwechete zvarwo ruchadonhera pasi. Asi kana uipi hukawanikwa maari anotopafa chete.” 53Mambo Soromoni akatumira shoko, vakandomuburutsa paatari. Akauya akasvikoremekedza mambo Soromoni. Soromoni akamuti, “Chienda zvako kumba kwako.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda