Nziyo 87
87
Rwiyo urwu rumbo rwavana vokwaKora. Rumbo
Jerusaremu amai venyika dzapasi pose
1Pagomo rinoera ndipo pane guta
rakavakwa naMwari.
2Mwari anoda guta reZioni
kupinda dzimwe nzvimbo
dzose dzomaJakobho.
3Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.
Dzepfunde.
4Ndingagone kudoma veRahabhu neveBhabhironi
kwoti veFirisitia neveTire nevekuItiopia
pakati pavanondiziva
zvichatonzi, “Uyu newoyo akaberekwa imomo.”
5Kana zviri zveguta reZioni,
zvingatonzi, “Nyika iyi neyoyo
yakaberekwa imomo,”
uye kuti Wokumusorosoro
achaita kuti rimire.
6TENZI anonyora mubhuku ravanhu
achitoti nyika iyi neiyi
yakaberekwa imomo.
Dzepfunde.
7Vaimbi uyewo vatambi
vose vanoti,
“Takatubuka mauri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 87: SCLBC
Sarudza vhesi
Sarudza zvinyorwa izvi
Yenzanisa
Pakurirana nevamwe
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.