Nziyo 150
150
Mwari ngaarumbidzwe
1Areruya.
Rumbidzai Mwari munzvimbo yake inoera
murumbidzei muziendanakuenda rake rine simba.
2Murumbidzirei mabasa ake ane simba,
murumbidzei zvinowirirana
noukuru hwake hwakakurisisa.
3Murumbidzei nehwamanda,
murumbidzei nedimbwa nechipendani.
4Murumbidzei netambureni muchitamba
murumbidzei nenyere namabhanjo.
5Murumbidzei namakwakwakwa,
murumbidzei namakwakwakwa
anorira kwazvo.
6Zvose zvinofema ngazvirumbidze TENZI.
Areruya.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 150: SCLBC
Sarudza vhesi
Sarudza zvinyorwa izvi
Yenzanisa
Pakurirana nevamwe
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.