Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 128

128
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Mubayiro womunhu akatendeka
1Akakomborerwa munhu wose anotya TENZI
anofamba mumakwara ake.
2Uchadya muchero webasa rako,
uchafara uye zvichakufambira zvakanaka.
3Mudzimai wako
achaita somugirepisi
unobereka muchero mumba mako,
vana vako vachaita samabukira
omuorivhi vakatenderedza tafura yako.
4Ndiko kukomborerwa kuchaita
munhu anotya TENZI.
5TENZI ngaakukomborere ari muZioni
uone kubudirira kweJerusaremu
upenyu hwako hwose
6uone vana vavana vako.
Rugare ngaruve neIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 128: SCLBC

Sarudza vhesi

Sarudza zvinyorwa izvi

Yenzanisa

Pakurirana nevamwe

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda