Varoma 9:6-18
Varoma 9:6-18 SNA2002
Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose; navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.” Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.” Zvino tichatiiko? Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva! Nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichanzwira ngoni wandinonzwira tsitsi.” Naizvozvo hazvibvi kunoanoda, kana kunoanomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni. Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao, “Ndizvo zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu kwauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.” Naizvozvo anonzwira ngoni waanoda; uye anoomesera mwoyo waanoda.

