Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:5-10

Varoma 8:5-10 SNA2002

Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo; zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.

Verenga chikamu Varoma 8