Varoma 5:6-8
Varoma 5:6-8 SNA2002
Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.

