Varoma 3:9-20
Varoma 3:9-20 SNA2002
Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete; Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo; Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; Nenzira yorugare havana kuiziva Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro.

