Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 2:12-29

Varoma 2:12-29 SNA2002

Nokuti vose vakatadza vasina murayiro, vachaparadzwawo vasina murayiro; vose vakatadza vanomurayiro, vachatongwa nomurayiro; nokuti vanzwi vomurayiro havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurayiro ndivo vanoruramiswa; (nokuti kana vahedheni vasina murayiro vachiita pachavo zvinhu zvomurayiro, vava murayiro wavo vamene; nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;) nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Vhangeri yangu. Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurayiro, unozvirumbidza muna Mwari, unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurayiro, unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima, nomurayiri wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvauno mufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurayiro; zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti, “Munhu arege kuba,” unobireiko iwe? Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo? Iwe unozvirumbidza nomurayiro, unoshoora Mwari nokudarika murayiro neiko? Nokuti, sezvazvakanyorwa, zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu. Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurayiro; asi kana uri mudariki womurayiro, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. Zvino, kana iye asina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurayiro, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here? Neasina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murayiro, haangakutongi here iwe unodarika murayiro, iwe unomurayiro wakanyorwa, uyewo kudzingiswa? Nokuti uyo haazi muJudha, ari muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.

Verenga chikamu Varoma 2