Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 2:1-11

Varoma 2:1-11 SNA2002

Saka hauna pembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo. Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai. Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here? Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo, Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha, nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu anoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki; asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kune mumwe nomumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nomuGirikiwo. Nokuti Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.

Verenga chikamu Varoma 2