Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:14-33

Varoma 15:14-33 SNA2002

Zvino, hama dzangu, ini ndimene ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogonawo kurayirana. Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokuyeudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari, kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa roupristi muVhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene. Naizvozvo ndingazvirumbidza muna Kristu Jesu pazvinhu zvaMwari. Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vaterereswe neshoko namabasa, nesimba rezviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokuda kubva Jerusaremu nenyika yakapoteredza, kusvikira Iririko, ndakaparidza kwazvo Vhangeri yaKristu; ndichishingairira chinhu ichi kuti ndiparidze Vhangeri, apo pasina kumborehwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu; asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Avo, vasina kuudzwa zvake, vachaona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kuuya kwamuri; zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuuya kwamuri, kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi). Asi zvino ndomboenda Jerusaremu kundoshumira vatsvene. Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu. Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama. Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Sipeini nokwenyu. Ndinoziva kuti kana ndichiuya kwenyu, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu; kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhea, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene; kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwechete nemi. Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Verenga chikamu Varoma 15