Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 14:5-8

Varoma 14:5-8 SNA2002

Mumwe munhu anoti zuva rimwe rinopfuura rimwe; mumwe anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumwoyo make. Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira iye oga, hakuna anozvifira iye oga. Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, kana tichifa tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe.

Verenga chikamu Varoma 14