Varoma 14:17-19
Varoma 14:17-19 SNA2002
Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene. Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.

