VaRoma 14:17-19
VaRoma 14:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene, nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.
VaRoma 14:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene. Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.
VaRoma 14:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti umambo hwaMwari haurevi chokudya kana chokunwa asi hunoreva ururami norugare nokufara muna Mweya Mutsvene. Munhu anoshandira Kristu zvakadai, munhu anofadza Mwari uye anodiwawo navanhu. Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane.
VaRoma 14:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene. Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu. Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo.
VaRoma 14:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)